2 Corinthians 6

Kusazvifunga kwaPauro pakuparidza kwake

1Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina; 2nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso. 3Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa; 4asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa, 5pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya, 6pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri, 7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe, 8nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo; 9sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo; 10sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese.

Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvese

11VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa. 12Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu. 13Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai. 14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima? 15Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi? 16Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu. 17Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai. 18Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.
Copyright information for Shona